Tsumo nemadimikira Mugoni wepwere ndeasinayo
Mugoni wepwere ndeasinayo

Mugoni wepwere ndeasinayo

Tsvaga dudziro iri pazasi inoenderana netsumo nemadimikira zviripamusoro
1. Mwana asingachemi anofira mumbereko
2. Totendamaruva tadya chakata
3. Kurera imbwa nomukaka mangwana inofuma yokuruma
4. Kwadzinorohwa matumburira ndiko kwadzinomhanyira
5. Vataitururira matohwe nhasi ndivo votiseka maparapadzwa
6. Chigarisano ndicho chine mhosva
7. Mugoni wepwere ndiye asinayo
8. Mhembwe rudzi kuzvara mwana ane kazhumu
9. Rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguo
10. Wegudza ndowegudza kufuga gumbeze rinotsva
11. Chako ndechako kuseva unosiya muto
12. Tsapata rukukwe hazvienzani nokuvata pasi
13. Chidokodoko chirere-muviri chikuru chinozouya wakora
14. Chibwe chiremera chavari kure vari pedyo vanotamba nacho
15. N’ai kwadzo ndedzomucheche dzomukuru dzinoreva kudya
16. Kure ndokuna amai kune mukadzi unofa wasvika
17. Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori
18. Chinogova ruoko muromo haugovi
19. Chakaenzanwa ibvudzi upfumi hahuna kuenzanwa
20. Chinokokwa upfumi urombo hunozvikoka
21. Chinokura usipo imombe munda unokura nokuvandurirwa
22. Chigere ibwe muti unowa
23. Ane marengenya haacharike moto
24. Wakagarika ngewakafa mupenyu pfumo riri mushure
25. Ibangano muchateya kuzondoona kwava kwomumwe chete

a) Chinhu hachisiyane nekwachakabva
b) Chinhu chaunonyatsoda unochishingirira kusvika wachiwana
c) Pakurarama unogona kungowirwa nedambudziko kana rufu chero nguva
d) Chero vanhu vari vamwechete munhu anotofanira kuzvishandira ega kuti awane chake
e) Dzimwe nguva vamwe vanhu vanoita chibhende vasingabudi pachena nezvavakananga
f) Kuwana zvidiki kana zvishoma zviri nani pane kushaya zvachose
g) Unofanira kuzogutsikana chinhu chapera kwete chichiri munzira nekuti pamwe zvinhu zvinhu hazvizobude semafungiro ako
h) Vamwe vanhu vanoramba vachiwirirana nevanhu vanovashungurudza
i) Kunaka kwemunhu kunoonekwa pamabasa kwete pakutaura
j) Munhu anoziva zvaari hazvipfakaidze paasingafanire
k) Zvimwe zvinhu muhupenyu zvinotoda kuti uzvishandire, hazvingouye zvega
l) Vanhu vanogona kushora zvinoitwa nevamwe asi vanoshora vacho vasina kumboita chinhu ichocho
m) Vanhu vazhinji vanoda kushanda nevamwe vachatanga chunhu asi kana chabudirira voti ndechavo vega vokanganwa vaye vakavabatsira kwekutanga
n) Munhu anotsvaga zvakanaka, zvakaipa zvinouya zvega
o) Nyangwe ukaitira munhu asingatende zvakanaka anongokupandukira chete pamberi
p) Vanhu vanokanganisirana nehama, shamwari, vavakidzani nevavanobata navo nekuti mukugarisana ndimo munobva kukanganisirana
q) Munhu ane simba rekuita zvaanoda nechinhu chake kwete chemumwe
r) Unotanga nechinhu chidiki wozoita chikura, pangave pakutsvaga mari, fundo kana zvimwe zvinhu
s) Munhu anofanira kuziva kuti zvimwe zvinhu zvakaita sehupenyu zvinotoguma chete
t) Pane humwe hunhu hunovanzwa pane vanhu asi kana wave kusina vanyarikani hunobuda pachena
u) Munhu akasataura zvinomunetsa hapana anofembera kuti amubatsire
v) Munhu waunoitira chakanaka anogona kuzoramba kukubatsira mangwana
w) Chero basa rikava diki rinongoda kuitwa nemazvo
x) Munhu anoshayisa basa zvinhu zviri nyore kuwana asi mumwe anenge achitokoshesa chinhu chimwe chete ichocho
y) Mumwe munhu anongoteerwa nemunyama pahupenyu hwake
Answers
1. U,  2. G  3. O,  4. H,  5. V,  6. P,  7. I,  8. A,  9. W,  10. Y,  11. Q,  12. F,  13. R,  14. X,  15. E,  16. B,  17. T,  18. 1,  19. D, 20. N,  21. K,  22. S,  23. J,  24. C,  25. M –     Cool Lifestyle Editor.

You Might Also Like

Comments